1. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa.
2. Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi,
3. Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
4. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro;
5. imbirai Jehovha nembira, nembira nenzwi rokuimba,
6. nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondohwe, danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.