Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 97:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.

7. Vose vanonamata zvifananidzo vanonyadziswa, avo vanozvirumbidza nezvifananidzo, munamatei, imi vamwari vose!

8. Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.

9. Nokuti imi, iyemi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro pasi pose; makasimudzirwa kupfuura vamwari vose.

10. Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa.

11. Chiedza chinovhenekera pamusoro pavakarurama, nomufaro pamusoro pavane mwoyo yakarurama.

12. Farai muna Jehovha, imi vakarurama, uye mukudze zita rake dzvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 97