2. Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
3. Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.
4. Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.
5. Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.
6. Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.