Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 95:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.

2. Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.

3. Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.

4. Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake.

5. Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 95