Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 94:16-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ndianiko achandirwira pane vakaipa? Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?

17. Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.

18. Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.

19. Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

20. Ko, chigaro choushe chino uori chingashamwaridzana nemi here, icho chinouyisa kutambudzika muzvirevo zvacho?

21. Vanobatana pamwe chete kuti varwise vakarurama, vachipomera mhosva yorufu kuna vasina mhosva.

22. Asi Jehovha ndiye ava nhare yangu, uye Mwari wangu ndiye dombo randinotizira.

23. Iye achavatsiva nokuda kwezvivi zvavo, uye achavaparadza nokuda kwezvakaipa zvavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 94