Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 92:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

10. Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

11. Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

12. Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;

13. wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

14. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 92