Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 92:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

2. kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,

3. nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.

4. Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

5. Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

6. Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,

7. kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.

8. Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 92