1. Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,
2. kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,
3. nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.
4. Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.
5. Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!
6. Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,