Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 92:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

2. kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,

3. nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.

4. Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

5. Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

6. Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 92