Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 91:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

5. Haungatyiswi nokuvhundusa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,

6. kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.

7. Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi rwako, asi hazvingaswederi kwauri.

8. Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

9. Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,

10. ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.

11. Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

12. vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

13. Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

14. “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 91