Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 91:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro achazorora mumumvuri woWamasimba Ose.

2. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3. Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.

4. Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

5. Haungatyiswi nokuvhundusa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,

6. kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 91