Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 91:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro achazorora mumumvuri woWamasimba Ose.

2. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3. Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.

4. Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

5. Haungatyiswi nokuvhundusa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,

6. kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.

7. Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi rwako, asi hazvingaswederi kwauri.

8. Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

9. Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,

10. ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.

11. Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

12. vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

13. Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 91