Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 90:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.

5. Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani,

6. kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.

7. Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.

8. Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.

9. Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 90