Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 90:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”

4. Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.

5. Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani,

6. kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.

7. Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.

8. Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.

9. Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema.

10. Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka.

11. Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu? Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.

12. Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

13. Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko? Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.

14. Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi, kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.

15. Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, samakore mazhinji atakaona nhamo.

16. Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 90