Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 90:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha, imi makanga muri ugaro hwedu kubva kumarudzi namarudzi.

2. Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.

3. Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”

4. Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.

5. Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani,

6. kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.

7. Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.

8. Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 90