Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 87:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2. Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.

3. Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera

4. “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, “Uyu akaberekerwa muZioni.”

5. Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”

6. Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 87