Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 86:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Chengetai upenyu hwangu, nokuti ndakazvipa kwamuri. Muri Mwari wangu; ponesai muranda wenyu anovimba nemi.

3. Ndinzwirei ngoni, imi Ishe, nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4. Vigirai muranda wenyu mufaro, nokuti kwamuri, imi Ishe, ndinosimudzira mweya wangu.

5. Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe, muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.

6. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; inzwai kuchemera kwangu ngoni dzenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 86