Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 85:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.

10. Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.

11. Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.

12. Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.

13. Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 85