Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 85:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu, uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera

3. Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose, mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.

4. Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu, mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.

5. Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here? Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi here?

6. Ko, hamungatimutsiridzizve here, kuti vanhu venyu vagofara mamuri?

7. Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha, mugotipawo ruponeso rwenyu.

8. Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari; anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake, asi ngavasadzokerazve kuupenzi.

9. Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.

10. Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana.

11. Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga.

12. Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.

13. Kururama kuchamutungamirira, uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 85