Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 83:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo.

3. Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vomunochengeta zvakanaka.

4. Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.”

5. Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi,

6. matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari,

7. Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire.

8. Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 83