Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 83:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. ivo vakati, “Handei tindotora mafuro aMwari.”

13. Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo.

14. Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo,

15. saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nomutinhiro wenyu.

16. Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

17. Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.

18. Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 83