4. Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.
5. “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.
6. “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana voWokumusorosoro.’
7. Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”
8. Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.