Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 82:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2. “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera

3. Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4. Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.

5. “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 82