Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 8:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.

2. Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3. Kana ndichifunga matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4. munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5. Makamuita muduku zvishoma pazvisikwa zvokudenga, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6. Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7. makwai ose nemombe, nemhuka dzesango,

8. neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9. Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 8