Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 79:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. nokuti vakapedza Jakobho uye vakaparadza nyika yokwake.

8. Regai kuverengera pamusoro pedu zvivi zvamadzibaba; tsitsi dzenyu ngadzikurumidze kuuya kuzosangana nesu, nokuti tiri pakutambudzika.

9. Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu, nokuda kwokukudzwa kwezita renyu; tirwirei mutiregerere zvivi zvedu nokuda kwezita renyu.

10. Ndudzi dzichataurireiko dzichiti, “Mwari wavo aripi?” Zivisai pakati pendudzi, pamberi pedu, kuti munotsiva ropa ravaranda venyu rakateurwa.

11. Kugomera kwavasungwa ngakusvike pamberi penyu; nesimba roruoko rwenyu chengetedzai avo vakatongerwa rufu.

12. Mutsive kanomwe pamabvi avavakidzani vedu, kutuka kwavakaita zita renyu, imi Ishe.

13. Ipapo vanhu venyu, makwai amafuro enyu, vachakurumbidza nokusingaperi; kubva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi, ticharondedzera nezvokurumbidzwa kwenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 79