Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 78:35-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.

36. Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo;

37. mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.

38. Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.

39. Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.

40. Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje!

41. Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 78