Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 77:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.

15. Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera

16. Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda.

17. Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nomutinhiro; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.

18. Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.

19. Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.

20. Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 77