13. Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
14. Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
15. Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera
16. Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda.
17. Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nomutinhiro; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
18. Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.
19. Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.
20. Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.