1. Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.
2. Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
3. Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera
4. Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.
5. Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare;
6. ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,
7. “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? haachazombonzwiri ngonizve here?