Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 77:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.

2. Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.

3. Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera

4. Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.

5. Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare;

6. ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,

7. “Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? haachazombonzwiri ngonizve here?

8. Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera

9. Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”

10. Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pana izvozvi: makore oruoko rworudyi rwoWokumusorosoro.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 77