Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 76:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.

7. Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?

8. Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara,

9. haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera

10. Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.

11. Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa; nyika dzose dzakakupoteredzai ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.

12. Anoputsa mweya yavatongi; anotyiwa namadzimambo enyika.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 76