Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 75:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.

5. Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”

6. Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.

7. Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisumudzira mumwe.

8. Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.

9. Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.

10. Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 75