Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 74:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi?

2. Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara.

3. Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene.

4. Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo.

5. Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti.

6. Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo.

7. Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 74