Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 72:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.

12. Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.

13. Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.

14. Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa chisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.

15. Iye ngaararame upenyu hurefu! goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari. Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera uye vamuropafadze zuva rose.

16. Zviyo ngazviwande munyika yose; ngazvizengaire pamusoro pezvikomo. Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni; ngazvibukire sebundo romusango.

17. Zita rake ngarigare nokusingaperi; ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva. Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye, uye vachamuti, ano mufaro.

18. Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, iye oga anoita mabasa anoshamisa.

19. Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake. Ameni naAmeni.

20. Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 72