Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 72:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.

2. Iye achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira.

3. Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama.

4. Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.

5. Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,

6. achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.

7. Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.

8. Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.

9. Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva.

10. Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo.

11. Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.

12. Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.

13. Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 72