Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 68:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.

3. Asi vakarurama ngavafare, uye vafarisise pamberi paMwari; ngavafare uye vapembere.

4. Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake.

5. Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.

6. Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.

7. Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje, Sera

8. nyika yakazungunuka, matenga akadurura mvura, pamberi paMwari, iye weSinai, pamberi paMwari, iye Mwari waIsraeri.

9. Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji; mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe.

10. Vanhu venyu vakagaramo, uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo.

11. Ishe akataura shoko, vakadzi vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo:

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 68