Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 68:19-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu, anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera

20. Mwari wedu ndiMwari anoponesa; kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.

21. Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake, panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo.

22. Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani; ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa,

23. kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako, ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.”

24. Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari, mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene.

25. Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa; pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni.

26. Rumbidzai Mwari paungano huru; rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri.

27. Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira, hawo machinda mazhinji aJudha, uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari.

28. Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.

29. Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema, madzimambo achakuvigirai zvipo.

30. Tukai mhuka dziri pakati petsanga, mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi. Ngaiuye nesirivha, yakazvininipisa. Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa.

31. Nhume dzichabva kuIjipiti; Etiopia ichazviisa pasi paMwari.

32. Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi, rumbidzai Ishe nenziyo, Sera

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 68