Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 68:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; vavengi vake ngavatize pamberi pake.

2. Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo, saizvozvo vapeperetsei; sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto, vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.

3. Asi vakarurama ngavafare, uye vafarisise pamberi paMwari; ngavafare uye vapembere.

4. Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore, zita rake ndiJehovha, uye farai pamberi pake.

5. Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi, ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.

6. Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri, anosesedza vasungwa vachiimba; asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva.

7. Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari, pamakafamba napakati perenje, Sera

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 68