Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 67:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera

2. kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.

3. Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

4. Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera

5. Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

6. Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.

7. Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 67