Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 66:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu, inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;

9. iye akachengetedza upenyu hwedu netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.

10. Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza; mukatinatsa sesirivha.

11. Makatipinza mutorongo mukatitakudza mitoro pamisana yedu.

12. Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu; takapinda mumoto nomumvura, asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.

13. Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu, ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,

14. mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu, uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.

15. Ndichakubayirai mhuka dzakakora nechipiriso chamakondohwe; ndichabayirawo hando nembudzi. Sera

16. Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari; regai ndikuudzei zvaakandiitira.

17. Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 66