Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 65:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.

2. Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri.

3. Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu.

4. Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene.

5. Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi Mwari Muponesi wedu, tariro yemigumo yepasi pose namakungwa ari kure kure,

6. iyemi makaumba makomo nesimba renyu, makazvishongedza nesimba,

7. iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi.

8. Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro.

9. Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 65