Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 65:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.

2. Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri.

3. Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu.

4. Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 65