Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 63:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.

6. Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku.

7. Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.

8. Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.

9. Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.

10. Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.

11. Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 63