Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 62:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari.

2. Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3. Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?

4. Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera

5. Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari.

6. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 62