Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 62:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari.

2. Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3. Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?

4. Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera

5. Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari.

6. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

7. Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.

8. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera

9. Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havazi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya.

10. Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi.

11. Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 62