Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 61:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.

2. Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakareba kundipfuura.

3. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.

4. Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera

5. Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.

6. Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi.

7. Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 61