Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 59:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

5. Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera

6. Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

7. Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”

8. Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose.

9. Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,

10. Mwari anondida achanditungamirira. uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11. Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.

12. Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura,

13. vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera

14. Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

15. Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 59