Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 59:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.

2. Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.

3. Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.

4. Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 59