Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 59:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira.

2. Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa.

3. Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha.

4. Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu!

5. Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera

6. Vanodzoka madekwana, vachihon'a sembwa, uye vachinyahwaira muguta.

7. Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?”

8. Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose.

9. Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu,

10. Mwari anondida achanditungamirira. uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva.

11. Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 59