Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 58:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ko, imi vatongi munotaura kururamisira here? Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?

2. Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu, uye maoko enyu anomanikidza panyika.

3. Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka; kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.

4. Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,

5. isingateereri maimbiro en'anga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.

6. Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!

7. Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.

8. Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negambemwedzi, ngavarege kuona zuva.

9. Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.

10. Vakarurama vachafara pavachatsivirwa, pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 58