Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 57:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndiri pakati peshumba; ndinovata pakati pemhuka dzinokara, ivo vanhu vana meno amapfumo nemiseve, vane ndimi dzinopinza seminondo.

5. Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6. Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene. Sera

7. Mwoyo wangu wakasimba, imi Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.

8. Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza.

9. Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi; ndichakuimbirai pakati pamarudzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 57